Eksodo 15:26 - Shona BIBLE26 akati, “Kana uchiteerera nomwoyo wose izwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro paVaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)26 akati: Kana uciterera nomŋoyo wose inzwi raJehova Mŋari wako, ukaita ɀakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeʋe dzako kumirairo yake, ukaceŋgeta ɀaakatema ɀose, handiŋgaisi pamsoro pako marwadzi andakaisa pamsoro paʋaEgipita, nokuti ndini Jehova murapi wako. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200226 akati, “Kana uchiteerera nomwoyo wose izwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika26 akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona26 akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.” Sien die hoofstuk |