Aanlyn Bybel

- Advertensies -




Danieri 3:24 - Shona BIBLE

24 Ipapo mambo Nebhukadhineza akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.”

Sien die hoofstuk Kopieer

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

24 Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo.

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona Bible 1949 revised 2002

24 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.”

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

24 Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!”

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona

24 Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!”

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

24 Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”

Sien die hoofstuk Kopieer




Danieri 3:24

Volg ons:

Advertensies


Advertensies