Danieri 10:6 - Shona BIBLE6 muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 muʋiri wake wakaŋga wakaita seberiri, ciso cake cakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maʋoko ake netsoka dzake ɀakaŋga ɀakafanana nendarira yakakweshwa, ʋuye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwaʋazhinji. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20026 muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona6 Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Muviri wake wakanga wakaita sekirisoreti, chiso chake chichipenya semheni, meso ake aipfuta somwenje, maoko ake namakumbo ake zvichivaima sendarira yakakweshwa, uye inzwi rake rakanga rakafanana nokutinhira wavazhinji. Sien die hoofstuk |