Danieri 1:10 - Shona BIBLE10 Muchinda wavaranda akati kuna Dhanieri, “Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)10 Mucinda waʋaranda akati kunaDanieri: Ndinotya ishe waŋgu mambo, wakaraira ɀamunofanira kudya nokunwa; nokuti ucaʋonereiko ɀiso ɀenyu ɀakawonda kupfuʋura ɀamajaya ezero renyu? Kana ɀakaɗaro mucaparisa musoro waŋgu mhoȿa kunamambo. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200210 Muchinda wavaranda akati kuna Dhanieri, “Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika10 Mukuru wavayuniki iyeyo akati kuna Dhanieri, “Chandinotya ndechokuti dai changamire wangu, ivo mambo, vakatema kuti imi mupiwe chokudya nechokunwa chenyu vazokuonai imi mapera kwazvo muviri masiyana nevechidiki vezera renyu. Ipapo mungatondidimurisa musoro namambo.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona10 Mukuru wavayuniki iyeyo akati kuna Dhanieri, “Chandinotya ndechokuti dai changamire wangu, ivo mambo, vakatema kuti imi mupiwe chokudya nechokunwa chenyu vazokuonai imi mapera kwazvo muviri masiyana nevechidiki vezera renyu. Ipapo mungatondidimurisa musoro namambo.” Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi10 asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.” Sien die hoofstuk |