Numeri 5:15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 ipapo murume unofanira kuʋuya nomukadzi wake kumuprista, aciʋuya ʋo necipo cake pamsoro pake, cinoti, cegumi coʋupfu bgebari; haafaniri kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo; nokuti ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu, cipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza, cinoraŋgaridza ɀakaipa. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200215 ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti, chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona15 pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi15 ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuhwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva. Sien die hoofstuk |