Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 4:15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

15 Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira.

Sien die hoofstuk Kopieer

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

15 Ɀino kana Aroni naʋanakomana ʋake ʋapedza kufukidza imba tȿene, nenhumbi dzose dzeimba tȿene, kana ʋuŋgano iciɗa‐kusimuka, ɀino ʋanakomana ʋaKohati ʋanofanira kuʋuya kuitakura, asi ŋgaʋarege kuɓata ɀinhu ɀitȿene, kuti ʋarege kufa. Ɀinhu iɀi ndiɀo ɀinofanira kutakurwa naʋanakomana ʋaKohati patente rokusoŋgana.

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona Bible 1949 revised 2002

15 Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

15 Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

15 “Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana.

Sien die hoofstuk Kopieer

Numeri 4:15

Volg ons:

Advertensies

Advertensies