Danieri 2:9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Asi kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu, mucarobga nomurairo mumŋe cete, nokuti makaɀigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi paŋgu, kuȿikira ŋguʋa yashanduka; naiɀoɀo cindiʋudzai kurota kwaŋgu, ipapo ndicaziʋa kuti muŋgandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20029 Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona9 zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.” Sien die hoofstukShona BIBLE9 Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurairo mumwechete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.” Sien die hoofstuk |