Aanlyn Bybel

- Advertensies -




Danieri 11:24 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

24 Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva.

Sien die hoofstuk Kopieer

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

24 Neŋguʋa yokufara kwaʋanhu ucapinda pamatiʋi akaʋorera enyika; ucaita ɀisino‐kumboitwa namadziɓaɓa ake, kunyaŋge namadziɓaɓa amadziɓaɓa ake; ucaparadzira pakati paʋo ɀaakatapa neɀaakapamba nenhumbi; ucatanda mano ake pamsoro penhare, asi neŋguʋa ɓedzi.

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona Bible 1949 revised 2002

24 Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona

24 Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

24 Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete.

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona BIBLE

24 Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyangwe namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.

Sien die hoofstuk Kopieer




Danieri 11:24

Volg ons:

Advertensies


Advertensies