Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 19:18 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

18 Munhu anenge asina kun'ora ngaatore kabazi komuhisopi, akanyike mumvura iya, asase tendhe racho chairo nepazvinhu zvose navanhu vaiva mutendhe muya makafira munhu. Mvura iyoyo ngaisaswewo saizvozvi pamunhu anenge akabata chitunha chomunhu angofawo zvake kana munhu akaurayiwa, kana pamunhu akabata bvupa romunhu, kana pamunhu akabata guva.

Sien die hoofstuk Kopieer

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

18 ɀino munhu wakanaka unofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patente, napanhumbi dzose, napaʋanhu ʋose ʋaiʋa’po, napamunhu wakaɓata fupa, kana wakaŋga aʋurawa, kana wakafa, kana bgiro;

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona Bible 1949 revised 2002

18 zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro;

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

18 Munhu anenge asina kun'ora ngaatore kabazi komuhisopi, akanyike mumvura iya, asase tendhe racho chairo nepazvinhu zvose navanhu vaiva mutendhe muya makafira munhu. Mvura iyoyo ngaisaswewo saizvozvi pamunhu anenge akabata chitunha chomunhu angofawo zvake kana munhu akaurayiwa, kana pamunhu akabata bvupa romunhu, kana pamunhu akabata guva.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

18 Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake.

Sien die hoofstuk Kopieer

Numeri 19:18

Volg ons:

Advertensies

Advertensies