Numeri 14:35 - Bhaibhiri Idzva rechiShona35 Ini Tenzi, ndinotsidza kuti zvandataura ndizvozvo zvandichaita kwamuri; mhomho yavanhu vakaipa vaunganidzana kuzondipandukira. Imo murenje muno, ndimo mavachaperera. Imo muno ndimo mavachafira.’ ” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)35 Ini Jehova, ndakataura iɀoɀo, ndicaitira saiɀoɀo ʋuŋgano iyi yose yakaipa, yakaʋuŋgana kuzorwa neni; ʋacaparadzwa murenje rino, ʋacafira’po. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200235 Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika35 Ini Tenzi, ndinotsidza kuti zvandataura ndizvozvo zvandichaita kwamuri; mhomho yavanhu vakaipa vaunganidzana kuzondipandukira. Imo murenje muno, ndimo mavachaperera. Imo muno ndimo mavachafira.’ ” Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi35 Ini, Jehovha, ndazvitaura, uye zvirokwazvo ndichaita zvinhu izvi kuungano yose iyi yakaipa, yakabatana pamwe chete kuti indirwise. Vachaperera murenje muno; vachafira muno.” Sien die hoofstuk |