Mateo 5:22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona22 Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200222 asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. Sien die hoofstuk |