Genesi 47:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Josefi andozvisvitsa kuna Farao achiti, “Baba vangu navakoma navanun'una vangu vasvika vachibva kunyika yeKanani, vaine zvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvose. Iye zvino vava kuGosheni.” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino Josefa akaenda, akandoʋudza Farao, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu naʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaȿika, ʋacibva kunyika yeKanani, ʋanamakwai aʋo, neŋombe dzaʋo, neɀose ɀaʋanaɀo; ɀino, tarirai ʋari munyika yeGosheni. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20021 Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, “Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Josefi andozvisvitsa kuna Farao achiti, “Baba vangu navakoma navanun'una vangu vasvika vachibva kunyika yeKanani, vaine zvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvose. Iye zvino vava kuGosheni.” Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.” Sien die hoofstuk |