Eksodo 33:19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona19 Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)19 Jehoʋa akati: Ndicapfuʋudza kunaka kwaŋgu kwose pamberi pako, nokuɗana zita raJehova pamberi pako; asi ndicanzwira nyasha wandinoɗa kunzwira nyasha, ndicanzwira tsitsi wandinoɗa kunzwira tsitsi. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200219 Jehovha akati, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika19 Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.” Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi19 Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.” Sien die hoofstuk |