Eksodo 23:15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona15 Munochengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso sezvandakakuudzai, mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe panguva yawo yakatemwa mumwedzi waAbhibhi nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. Hakufanire zvako kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata maoko chete. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; udye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira, paŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi (nokuti wakaɓuɗa nawo Egipita); kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu; Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200215 Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu; Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 Munochengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso sezvandakakuudzai, mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe panguva yawo yakatemwa mumwedzi waAbhibhi nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. Hakufanire zvako kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata maoko chete. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi15 “Mupemberere Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso; mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayirai. Muite izvi panguva dzakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo ndipo pamakabuda kubva muIjipiti. “Hakuna munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. Sien die hoofstuk |