Eksodo 13:9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona9 Mabiko iwayo achaita sechiratidzo chakasungirirwa paruoko rwako kana kuti sechiyeuchidzo chakasungirirwa pahuma yako kuti mutemo waTenzi usabve pamuromo pako nokuti Tenzi akakuburitsai muIjipiti nesimba rake guru. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Cinofanira kuʋa ciratidzo kwauri paruʋoko rwako, neciraŋgaridzo pakati pameso ako, kuti murairo waJehova uʋe mumuromo mako; nokuti Jehova wakakuɓuɗisa paEgipita noruʋoko runesimba. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20029 Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Mabiko iwayo achaita sechiratidzo chakasungirirwa paruoko rwako kana kuti sechiyeuchidzo chakasungirirwa pahuma yako kuti mutemo waTenzi usabve pamuromo pako nokuti Tenzi akakuburitsai muIjipiti nesimba rake guru. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Mucherechedzo uyu uchava kwauri sechiratidzo paruoko rwako uye sechirangaridzo pahuma yako chokuti murayiro waJehovha unofanira kuva pamiromo yako. Nokuti Jehovha akakubudisa muIjipiti noruoko rwake rune simba. Sien die hoofstuk |