Danieri 9:25 - Bhaibhiri Idzva rechiShona25 Saka wochiziva unyatsonzwisisa kuti kubvira panotaurwa shoko rokugadzirisa nokuvakazve Jerusaremu kusvikira panouya muzodzwa, muchinda, pachaita masvondo manomwe. Richavakwa kwamasvondo makumi matanhatu nemaviri richivakwa patsva namabwe nenhandare nemigero yacho asi muchange muri munguva yenhamo. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Naiɀoɀo ciziʋa unzwisise, kuti kubva pakutemŋa kwomurairo wokuʋandudza nokuʋaka Jerusarema kuȿikira kunowakazodzwa, iye mucinda, ɀicaita viki nomŋe; ʋuye viki dzinamakumi matanhatu nembiri dzicaʋa’po dzokuʋakwa kwaro, rinenɀimbo mhamhi nemigero, asi ɀicaitwa neŋguʋa yokutambudzika. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200225 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Saka wochiziva unyatsonzwisisa kuti kubvira panotaurwa shoko rokugadzirisa nokuvakazve Jerusaremu kusvikira panouya muzodzwa, muchinda, pachaita masvondo manomwe. Richavakwa kwamasvondo makumi matanhatu nemaviri richivakwa patsva namabwe nenhandare nemigero yacho asi muchange muri munguva yenhamo. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 “Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika. Sien die hoofstukShona BIBLE25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika. Sien die hoofstuk |