Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Danieri 4:23 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

23 “Zvino sokuona kwamakaita mumwe mutariri anoera achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyu muuparadze! Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chaita zvokusungwa chaizvo nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango, mumurege ambonyorova nedova redenga ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika ambosaruka kanomwe akadaro.’

Sien die hoofstuk Kopieer

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

23 Ɀino mambo ɀaakaʋona murindi, ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga aciti: Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo, anyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye apiwe mugoʋe wake pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo, kuȿikira ŋguʋa nomŋe dzapera ari’po;

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona Bible 1949 revised 2002

23 “Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;’

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

23 “Zvino sokuona kwamakaita mumwe mutariri anoera achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyu muuparadze! Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chaita zvokusungwa chaizvo nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango, mumurege ambonyorova nedova redenga ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika ambosaruka kanomwe akadaro.’

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

23 “Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.’

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona BIBLE

23 “Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;’

Sien die hoofstuk Kopieer

Danieri 4:23

Volg ons:

Advertensies

Advertensies