Numeri 8:4 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Cigadziko cakaŋga cakaitwa kuɗai: Cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kuȿikira pasi paco napamaruʋa aco cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakakaŋga wakaratidzwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀaakaita cigadziko. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20024 Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mosesi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Chigadzikiro chomwenje ichocho chakanga chakagadzirwa sezvizvi chakanga chakagadzirwa nendarama yakapfurwa kubvira pagaro racho kusvikira kumapazi acho ose. Mosesi akaita chigadziko chomwenje ichocho achitevedzera mufananidzo waakanga aratidzwa naTenzi. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona4 Chigadzikiro chomwenje ichocho chakanga chakagadzirwa sezvizvi chakanga chakagadzirwa nendarama yakapfurwa kubvira pagaro racho kusvikira kumapazi acho ose. Mosesi akaita chigadziko chomwenje ichocho achitevedzera mufananidzo waakanga aratidzwa naTenzi. Sien die hoofstuk |