Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 29:6 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.

Sien die hoofstuk Kopieer

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

6 kunze kwecipiriso cinopiswa pakugara kwomŋedzi, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, seɀakarairwa; ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova.

Sien die hoofstuk Kopieer

Shona Bible 1949 revised 2002

6 kunze kwechipiriso chinopiswa pakugara kwomwedzi, nechipisiro chacho choupfu, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, sezvakarairwa; chive chinonhuwira zvakanaka, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

6 Mipiro iyoyi ngaiwedzerwe pamusoro pemupiro wokupisa unopirwa pakugara kwomwedzi, nomupiro wawo wembesanwa unogaropirwa mazuva ose. Mipiro yacho ngaive nemipiro yayo yezvokunwa, sezvakatemwa. Ndiyo mipiro inopirwa ichiita zvokupiswa nomoto, inonhuhwirira zvinofadza Tenzi.

Sien die hoofstuk Kopieer

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Numeri 29:6

Volg ons:

Advertensies

Advertensies