Numeri 28:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Asi nomusi wesaɓata munofanira kuʋuya namakwaiana amakondobge maʋiri egore rimŋe, asina‐kuremara, neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, necipiriso caco cinoɗururwa. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20029 “Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 “Musi weSabata pirai hwayana hono mbiri, dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka, pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwomupiro wembesanwa, hwakakanywa namafuta, pamwechete nomupiro wawo wezvokunwa. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona9 “Musi weSabata pirai hwayana hono mbiri, dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka, pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwomupiro wembesanwa, hwakakanywa namafuta, pamwechete nomupiro wawo wezvokunwa. Sien die hoofstuk |