Numeri 17:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi. Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Fume maŋgwana Mosesi akapinda mutente recipupuriro, ʋonei tȿimbo yaAroni yeimba yaRevi yakaŋga yaɓuka, yaʋa namaɓukira, yaɓuɗisa maruʋa, yaɓereka maamanda akaŋga aibva. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20028 Fume mangwana Mosesi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Mangwana acho Mosesi akapinda mutendhe rouchapupu wanei tsvimbo yaAroni wedzinza raRevhi yabukira yava nematungirwa yava nemaruva namaarimondi akaibva. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona8 Mangwana acho Mosesi akapinda mutendhe rouchapupu wanei tsvimbo yaAroni wedzinza raRevhi yabukira yava nematungirwa yava nemaruva namaarimondi akaibva. Sien die hoofstuk |