Genesi 48:4 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’ Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 akati kwandiri: Tarira, ndicakuɓerekesa, ndicakuwanza, ndicakuita ndudzi zhinji; ndicapa ʋana ʋako ʋanokuteʋera nyika ino, iʋe yaʋo nokusiŋgaperi. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20024 akati kwandiri, ‘Tarira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.’ Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Akanditiwo, ‘Ndichakupa vana vazhinji, ndigokuitai kuti muwande zvokuita madzinza namadzina avanhu. Ndichapa zvizvarwa zvako zvichauya nyika ino kuti ive yavo nokusingaperi.’ Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona4 Akanditiwo, ‘Ndichakupa vana vazhinji, ndigokuitai kuti muwande zvokuita madzinza namadzina avanhu. Ndichapa zvizvarwa zvako zvichauya nyika ino kuti ive yavo nokusingaperi.’ Sien die hoofstuk |