Eksodo 9:22 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.” Sien die hoofstukBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, cimvuramabge ciʋe’po panyika yose yeEgipita, pamsoro paʋanhu, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro pemiriʋo yose yeminda panyika yose yeEgipita. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200222 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona22 Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” Sien die hoofstuk |